
Verenga kana kuteerera ndima inotevera
26 Vachiri kudya, Jesu akatora chingwa, akavonga akachimedura, uye akapa vadzidzi vake, achiti, “Torai mudye; uyu ndiwo muviri wangu.”
27 Ipapo akatora mukombe, akavonga uye akavapa achiti, “Inwai mose. 28 Iri iropa rangu resungano itsva rinodururirwa vazhinji kuti vagoregererwa zvivi zvavo. 29 Ndinokuudzai kuti, handichazonwi zvibereko zvomuzambiringa kubvira zvino kusvikira zuva iro randichazvinwa patsva nemi muumambo hwaBaba vangu.”
30 Vakati vaimba rwiyo, vakabuda vakaenda kuGomo reMiorivhi.
Tora nguva shoma yekutaura nyaya yacho zvakare nemashoko ako pachako. Unogona kuita izvi nekutaura zvinonzwika kana kunyora pasi. Kana ukaona zvichikunetsa kuirangarira, verenga kana kuteerera nyaya yacho zvakare.
Kana uchinzwa kuti wava kujairana nenyaya yacho, tora nguva yekufungisisa kana kukurukura mibvunzo inotevera.