
Verenga kana kuteerera ndima inotevera
24 Ndinokuudzai chokwadi, kana tsanga yegorosi ikasawira muvhu ikafa, inongoramba ichingova yoga. Asi kana ikafa, inobereka mbeu dzakawanda. 25 Munhu anoda upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi munhu anovenga upenyu hwake munyika ino achahuchengetera upenyu husingaperi. 26 Ani naani anondishandira anofanira kunditevera; uye pandinenge ndiri, muranda wangu achavapowo ipapo. Baba vangu vachakudza munhu uyo anondishandira.
Tora nguva shoma yekutaura nyaya yacho zvakare nemashoko ako pachako. Unogona kuita izvi nekutaura zvinonzwika kana kunyora pasi. Kana ukaona zvichikunetsa kuirangarira, verenga kana kuteerera nyaya yacho zvakare.
Kana uchinzwa kuti wava kujairana nenyaya yacho, tora nguva yekufungisisa kana kukurukura mibvunzo inotevera.