Ziva

Chidzidzo 28

Rudzikunuro: Jesu anokunda rufu

Ruka 24:1-35

Danho rekutanga: Verenga nyaya yacho

Verenga kana kuteerera ndima inotevera

x1.0

Kumuka kwaJesu

1 Nomusi wokutanga wevhiki, mambakwedza, vakadzi vaya vakatora zvinonhuhwira zvavakanga vagadzira vakaenda kuguva. 2 Vakawana ibwe rakungurutswa kubva paguva, 3 asi vakati vapinda, vakashayiwa mutumbi waIshe Jesu. 4 Pavakanga vachiri kushamisika nazvo, pakarepo varume vaviri vakanga vakapfeka nguo chena dzaipenya semheni vakamira parutivi pavo. 5 Mukutya kwavo, vakadzi vaya vakakotamisa pasi zviso zvavo, asi varume ava vakati kwavari, “Seiko muchitsvaka mupenyu pakati pavakafa? 6 Haapo pano; amuka! Rangarirai zvaakakuudzai, paakanga achinemi muGarirea kuti: 7 ‘Mwanakomana woMunhu anofanira kuiswa mumaoko avatadzi, arovererwe pamuchinjikwa agomukazve pazuva rechitatu.’ ” 8 Ipapo vakarangarira mashoko ake.

9 Vakati vadzoka kubva kuguva, vakataurira vane gumi nomumwe zvinhu zvose izvi, uye nokuna vamwe vose. 10 VanaMaria Magadharena, naJohana, Maria mai vaJakobho, uye navamwe vavaiva navo ndivo vakandoudza vapostori izvozvo. 11 Asi havana kutenda vakadzi ava, nokuti mashoko avo ainge upenzi kwavari. 12 Zvisinei hazvo, Petro, akasimuka, akamhanyira kuguva. Akakotama, akaona micheka iri yoga, ndokubva adzokera kumba, achishamisika mumwoyo make nezvakanga zvaitika.

Jesu Anosangana naVadzidzi muNzira inoenda kuEmausi

13 Zvino musi mumwe chete iwoyo, varume vaviri vakanga vachienda kumusha wainzi Emausi, makiromita anenge gumi nerimwe chete kubva kuJerusarema. 14 Vakanga vachitaurirana pamusoro pezvinhu zvose zvakanga zvaitika. 15 Vachiri kutaura nokukurukurirana pamusoro pezvinhu izvi, Jesu pachake akabva asvika uye akafamba navo; 16 asi meso avo akabatwa zvokuti havana kumuziva.

17 Akavabvunza akati, “Muri kukurukurirana pamusoro peiko, zvamuri kufamba kudai?”

Vakamira vakanyarara, zviso zvavo zvakasuwa. 18 Mumwe wavo ainzi Kiropasi, akati kwaari, “Ndiwe woga mushanyi muJerusarema asingazivi zvinhu zvakaitikamo mumazuva ano aya here?”

19 Jesu akati, “Zveiko?”

Vakapindura vachiti, “ZvaJesu weNazareta. Aiva muprofita, aiva nesimba mushoko napamabasa pamberi paMwari uye nokuvanhu vose. 20 Vaprista vakuru navatongi vedu vakamuendesa kuti andotongerwa rufu, saka vakamuroverera pamuchinjikwa; 21 asi isu takanga tichitarisira kuti ndiye akanga achizodzikinura vaIsraeri. Pamusoro paizvozvo, ratova zuva rechitatu kubvira pazvakaitika. 22 Uyezve vamwe vakadzi vokwedu vatishamisa. Vaenda kuguva nhasi mambakwedza 23 asi havana kuwana mutumbi wake urimo. Vauya vakatiudza kuti vaona chiratidzo chavatumwa, avo vati iye mupenyu. 24 Ipapo dzimwe shamwari dzedu dzaenda kuguva dzikawana zviri izvo chaizvo zvanga zvataurwa navakadzi vaya, asi iye havana kumuona.”

25 Iye akati kwavari, “Haiwa imi vokusanzwisisa, uye vane mwoyo inononoka kutenda zvose zvakarehwa navaprofita! 26 Ko, Kristu akanga asingafaniri kutambudzika pazvinhu izvi agozopinda mukubwinya kwake here?” 27 Ipapo akatanga naMozisi navaprofita vose, akavatsanangurira zvakanyorwa pamusoro pake mumagwaro.

28 Kuzoti vava kusvika mumusha mavakanga vachienda, Jesu akaita sokunge oda kupfuurira. 29 Asi vakamugombedzera zvikuru vachiti, “Garai nesu, nokuti kwava kudoka; zuva rava kuvira.” Saka akapinda kuti andogara navo.

30 Akati agara navo patafura, akatora chingwa, akavonga, akachimedura akatanga kuvapa. 31 Ipapo meso avo akasvinudzwa vakamuziva, akabva anyangarika pamberi pavo. 32 Vakabvunzana vachiti, “Ko, mwoyo yedu yanga isingapisi neiko mukati medu zvaanga achitaura nesu mumugwagwa uye achitizarurira magwaro?”

33 Vakasimuka panguva iyoyo vakadzokera kuJerusarema. Ikoko, vakandowana vane Gumi noMumwe navamwe vavaiva navo, vakaungana pamwe chete 34 vachiti, “Ichokwadi! Ishe amuka uye azviratidza kuna Simoni.” 35 Ipapo vaviri ava vakataura zvakanga zvaitika munzira, uye kuti vakaziva sei Jesu paakamedura chingwa.

Danho rechipiri: Taura nyaya yacho zvakare nemashoko ako pachako

Tora nguva shoma yekutaura nyaya yacho zvakare nemashoko ako pachako. Unogona kuita izvi nekutaura zvinonzwika kana kunyora pasi. Kana ukaona zvichikunetsa kuirangarira, verenga kana kuteerera nyaya yacho zvakare.

Danho rechitatu: Ziva nyaya yacho

Kana uchinzwa kuti wava kujairana nenyaya yacho, tora nguva yekufungisisa kana kukurukura mibvunzo inotevera.


Get it on Google Play
Download on the App Store

Get Discovery Bible Studies on your phone

Discover copyright ©2015-2026 discoverapp.org