Ziva

Chidzidzo 29

Rudzikinuro: Jesu anozviratidza uye anokwira kudenga.

Ruka 24:36-53

Danho rekutanga: Verenga nyaya yacho

Verenga kana kuteerera ndima inotevera

x1.0

Jesu Anozviratidza kuVadzidzi

36 Pavakanga vachiri kutaura pamusoro pazvo, Jesu pachake akasvikomira pakati pavo akati, “Rugare ngaruve nemi.”

37 Vakavhunduka uye vakatya, vachifunga kuti vaona mweya. 38 Iye akati kwavari, “Munotambudzika neiko, uye seiko kukahadzika kuchimuka mupfungwa dzenyu? 39 Tarisai maoko angu netsoka dzangu. Ndini iye! Ndibatei muone; mweya hauna nyama namapfupa, sezvamunoona ndinazvo ini.”

40 Akati areva izvi, akavaratidza maoko ake netsoka dzake. 41 Uye pavakanga vachigere kutenda nokuda kwomufaro uye vachishamiswa, akavabvunza akati, “Mune chokudya here pano?” 42 Vakamupa chimedu chehove yakagochwa, 43 uye akachitora akachidya pamberi pavo.

44 Akati kwavari, “Izvi ndizvo zvandaikuudzai ndichinemi kuti: Zvinhu zvose zvakanyorwa pamusoro pangu muMurayiro waMozisi, naVaprofita nomuMapisarema zvinofanira kuzadziswa.”

45 Ipapo akazarura ndangariro dzavo kuti vanzwisise Magwaro. 46 Akati kwavari, “Izvi ndizvo zvakanyorwa kuti: Kristu achatambudzika agomuka kubva kuvakafa pazuva rechitatu, 47 uye kuti kutendeuka nokuregererwa kwezvivi kuchaparidzirwa kumarudzi ose muzita rake, kutanga paJerusarema. 48 Imi muri zvapupu zvezvinhu izvi. 49 Ndichakutumirai chipikirwa chakavimbiswa naBaba; asi imi garai muguta kusvikira mafukidzwa nesimba rinobva kumusoro.”

Kukwidzwa kwaJesu kudenga

50 Akati avatungamirira kunze kweguta pedyo neBhetania, akatambanudza maoko ake akavaropafadza. 51 Achiri kuvaropafadza, akabva pavari akatorwa akakwidzwa kudenga. 52 Ipapo vakamunamata ndokubva vadzokera kuJerusarema nomufaro mukuru. 53 Uye vakaramba vari mutemberi, vachirumbidza Mwari nguva dzose.

Danho rechipiri: Taura nyaya yacho zvakare nemashoko ako pachako

Tora nguva shoma yekutaura nyaya yacho zvakare nemashoko ako pachako. Unogona kuita izvi nekutaura zvinonzwika kana kunyora pasi. Kana ukaona zvichikunetsa kuirangarira, verenga kana kuteerera nyaya yacho zvakare.

Danho rechitatu: Ziva nyaya yacho

Kana uchinzwa kuti wava kujairana nenyaya yacho, tora nguva yekufungisisa kana kukurukura mibvunzo inotevera.


Get it on Google Play
Download on the App Store

Get Discovery Bible Studies on your phone

Discover copyright ©2015-2026 discoverapp.org